Ndatemwa dzinonaka

Words
68
Reading
1 min
Listen
Play
9y

Ndatsigiswa ibwe hamawee;
Yedu yekuda zviro,
Sechana chepfambi
Chakatodza mai,
Kamoyo kakarembera sekehuku;
Kungoona mutswi neduri
Ndototi hewo maguta okwedu.

Ndakarindiswa mazai akaora,
Kuitwa gara ndichauya mudiwa
Wanike chido chemoyo chakaenda.
Kutaura kuno kudai,
Nyika inodyiwa rutivi
Ini changu kurangarira mashoko.

Zvokwadi rudo kupusisana
Kubatana nezvanza zvine unye,
Waunoti ndewangu wepamoyo,
Unozofuma wonzwa dzave ngano
Make mumoyo maive naJokoniya
Iwe Soko watosiwa pachena,
Kuyanikwa pamhene
Senyama yemombe.

troypoetics@troypoetics

Ndatemwa dzinonaka | Ecency